Chombe

Kubva Wikipedia

Chombe (sell-out) zvinoreva mutengesi. Izwi iri raitaurwa kunyanya munguva yehondo yechimurenga yechipiri richidzudza munhu aimhang'ara mabasa evarwi vehondo kuhurumende yehudzvanyiriri yaIan Smith.

Nhoroondo yeZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kune vanofunga kuti izwi rokuti chombe rakabva pana Moise Tshombe wekuZaire. Zvinonzi Tshombe uyu mumwe wevanhu vakatsigira kuurawa kwemutungamiri wekuZaire ainzi Patrice Lumumba. Kuurayiwa kwaLumumba kwakaonekwa sehutengesi mumeso eavo vairwira rusununguko muAfrika. Saka vose mutengesi vakanga vofananidzwa naTshombe.