Nhareyamado

From Wikipedia
(Redirected from Chizinganhare)
Jump to: navigation, search
Nhareyamado yerudzi rweNokia

Nhareyamado kana nharemado (cellphone) imhando yerunhare isina waya dzakabata kwairi inoshanda nemasaisai emhando rwe "radio". Nokumwe kutaura inonzi nharembozha.

Shoko rokuti nharemado rinotoredzera kubva pachizinga chinogadzirirwa huchi nenyuchi chine mado ane kuumbwa kwakaita gonyanhanhatu. Kushanda kunoita nharemado ndekwekuti inotambira nokupa mashoko kushongwe iri pedyo. Shongwe dzinopana nokutapurirana mashoko, nharemado dzotapurirana neShongwe iri pedyo.

Shongwe dzeNhare (Base Station Towers) dzinowumba dandira reshongwe zhinji dzinopana mashoko. Shongwe imwe neimwe inenge iri munharaunda mayo; nharaunda idzi ndidzo dziri kudanwa kunzi mado. Kureva kuti dandira reshongwe (network) rakaumbwa nemado. Nharaunda dzeShongwe dzakarongeka nokubatana sokurongeka kungafananidzwa nemado ari pachizinga chehuchi hwenyuchi. Munzvimbo zhinji, nharaunda yakakomberedza shongwe ine chiumbiko chakaita gonyanhanhatu.