Chiyero chekupimisa

Kubva Wikipedia

Chiyero chekupimisa (Unit of measure) zvinoreva mwero une huwandu hwakatarwa pamitemo yenyika kana Pasirose, kuti uve chidzikwe (standard) chinoshandiswa pakupima mhando yehuwandu ihwohwo.

Somuenzaniso kana tichipima nhambwe tinoshandisa chiyero chinonzi mita (metre).

Pasirose sangano re International Organisation for Standardization ndiro rine hugabe hwekutara zvidzikwe zvinoshandiswa pakupima mipimo yakasiyana-siyana.

  • Mwerero zvinoreva mudziyo unoshandiswa kupimisa zvinhu.
  • Mueresero kana Mueresera (Exact quantity required) zvinoreva huwandu hwakati gejegeje nehuri kudiwa.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mazwi ari pandima ino ndeekuzama kuumba mutauro, haako kuChiShona chemazuva ose.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mururimi rweLuwanga vanoti okhuyerana (to be equal).
  • VaGwere vanoti kugera (v. weigh, measure, estimate, gauge; make an assessment of the weight or value of something) vachireva kuyera.
  • VaGwere vanoti kugereka (v. determine, set bounds or limits) vachireva kuyera kana kutara miganhu. Mamwe mazwi: kugereesa (v. guestimate, surmise, imagine to be the case or true or probable).
  • Baila vanoti ku eleka (to measure) vachireva kuyera. Mamwe mazwi: ku ela (to be fit, to fit exactly) vachireva kukwanirana.

Apa Lugwere inoshandisa g panopinda y muChiShona.