Chiredzwa

Kubva Wikipedia

Chiredzwa kana ureri (compensation for rearing a child) zvinoreva chipo chinopiwa munhu anenge akarera mwana waasina kuzvara, zvisinei kuti mwana nemureri vane hukama here. Chiredzwa chinowanzopiwa kumunhukadzi anenge akarera mwana uyu. Mutsika yeVaShona kana mwana afirwa nevabereki, vakuru vemhuri vanotsvaga mumwe pakati pavo anosara achichengeta mwana afirwa saizvozvi. Iyeye anosara akachengeta nherera ndiye anozopiwa chiredzwa.


Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Baila vanoti mulelwe (recompense paid by parents to people who have taken charge of their children for a time) kureva muripo wekurera.