Chipangura

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Chipangura izita remhuri muZimbabwe. Mhuri iyi yakabva neMozambique ikambogara kwaMutasa kuManicaland. Mhuri yacho yakazogumira Masvingo province uko mazuvano inowanikwa ku Chirumhanzu neBikita.Chipangura zvinoreva munhu anoda zvekufamba kana kuti mufambi. Ikozvino Chipangura ndiye avakufanira kugara ushe hwa Chirumhanzu Chipangura nyika. Rimwe zita riri pedyo rinonzi Mupanguri.

  • Kubangura (to rise - of the sun; the orient sun) apa zvichireva kubuda kwezuva.
  • Tarisai chinyorwa chinonzi kupangura kuti muone zvimwe zvinoreva izwi irori.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • VaHerero vanoti pangura kana okupangura (judge; condemn; adjudge - make a decision; adjudgement) apa kureva kushara zano.
  • Herero vanoti pangura (v.t. rank; sever; separate) apa kureva kuronga zvinhu nehukoshi kana hukuru.
  • Herero vanoti pangura (divide; sever; separate; rend, part), kutsaura. Mamwe mazwi: pangura (separate the fighting people) kureva kurandutsira.
  • VaKongo vanoti bangula (v. to take to pieces, pull down, destroy, demolish, lay open, make plain, clear, disclose, divulge as a secret).
  • VaRundi vanoti gupangura (to clear off - as table etc; to take down tent). VaNyole vanoti epangula (n. creeping vine species), igwenzi rinotandira.