Svetuka kuchirochemo

Chiokisitani

Kubva Wikipedia

Chiokisitani (kureva Occitan; lenga d'òc; Chifurenji: langue d'oc) kana Chilen'a dhi-oku nevatauri vekuzvarwa. Chiokisitani mutauro we Chirhoma unotaurwa kuChamhembe kwe Furanzi, Monako, Mipata ye Okisitani ye Itari, uyezve ne Vhari Dhi'Arani ye Speini; zvichiunganidzwa pamwe zvisi izvi zinodananwa dzimwe nguva sa Okisitaniya. Chiositani chinotaura mu Kalabhiriya (Chamhembe che Itari) mumankilavhu eururimi eruwa reKosenza (kazhinji Guardia Piemontese). Vamwe vanosanganisa Chikatala muChiokisitani, nekuti nhambwe yemutauro uyu ne mitauronyina imwe ye Chiokisitani (senge mutauro we Chigaskoni) wakafana nenhambwe wemitauronyina ye Chiokisitani. Chikatala chainoonekwa semutauronyina weChiokisitani kusvika kupera kwe Zanagore rechiGuminepfumbamwe uye nhasi uchiri mutauro unehukama huri pedyo nawo.