Chinyamurawu

Kubva Wikipedia

Izwi rokuti chinyamurawu riri kushandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi legalism kuEnglish, izvi zvichireva kuchengetedza Murawu senzira yokutsvaga fevha inobva kuna Mwari. Takatarisana nemaKristu anhasi tingatsetsenura chinyamurawu tichiti kuzama kuita mabasa akanaka senzira yokuva nechimiro chakarurama pamberi paMwari. Chinyamurawu imwe nguva chinozvitemera zvisungo zvinodarika izvo zvakarehwa neshoko raMwari kuti zviitwe kana kusaitwa. Zvakare chinyamurawu chinozvisunga pakuita mabasa akarurama akadarika zvinorehwa neshoko raMwari.