Chaminuka
Chaminuka waizivikanwa se muporofita kana kuti mufemberi mukuru munyika ye Zimbabwe. Aiva mutungamiri aneutsonyera mutsika nemagariro avanhu nesimba guru nemweya wekududzira zvinoda Musikavanhu, anova Mwari mumwechete wemadzinza ese. Ainzi Mwari Musikavanhu ndiye nanhasi. Zvibvunzeyi kuti sei nhoroondo dzemadzinza ese pasirese dzichiti takasikwa, kwete kuguma pakuti takazvarwa. Uyu murandarume aiva mutungamiri akavimbika pamoyo nemurunyararo zvinotaridzwa nemashoko ake mumatambudziko ese nedzihondo dzemarudzi dzaitambudza vanhu, kusanganisa dzeva Ndebele neva Shona dzaivako, nekudaro mbiri yake yakafamba kusvika parizvino. Anozibwa nekuda kwenziyo dzaakaimbwa nevamwe vaimukoshesa. Pese pangaridzwa mbira nhasi hapashaikwe nziyo ine zita rake Chaminuka.
Vazhinji vanoposha nhoroondo [History] vachiti VaChaminuka vaive military strategist, murwi, svikiro (muporofita). Kwete vaChaminuka vaisava svikiro. Murandarume akanga asingasvikirwe, aisava nemudzimu kana shavi. Chaminuka aive nemweya mutsvene [Holy Spirit], uye vaisava wuto. Hapana chake chinotaridza mweya wekurwa. Iye paakafa, chiitiko chakatendeutsa maDzviti akatadza kumuuraya nehutsinye, vana vakachena ndivo vaakakumbira kuti vamususukidze kuna Musikavanhu. VaChaminuka vaiva munhu akanga aine mweya mukuru nesimba rekutaura naMusikavanhu, Mwari [God]. Vaiva Muporofita sema porofita emuBhaibheri, anaJohn, Elijah nevamwe. Chaminuka aive neDevine ruzivo. Samaporofita ese, aitaura naMwari nekuzivisa vanhu zvinoda Musikavanhu negadziriro yezvichauya. Hongu airova mbira nekukaida kuimba museziwemhanzi, uye mudetembi, mukutadza kwavo Vakoloni vaiwanzo tsanangura VaChaminuka se-‘minstrel’ kwete aingova musarudzwa naMwari anoturikira zvinoda musiki.[1]
Vazhinji vanopokana nenhoroondo yemagarioro evanhu [Bantu] munguva iya vachena [White people], vasati vauya. Kozoti nguva yavakanga vauya nekupamba nyika [Colonize Africa]. Vasati vachena vauya, vanhu vaitaura naMwari kuburikidza nemaPorofita savaChaminuka. Kwakanga kusina midzimu, mashavi, kana kuti mhondoro. Hapana munhu aisvikirwa nguva iyoyi. Kwaiva nevatungamiri vemhando dzakawanda, vehondo, vemagariro, nevemweya. Chaminuka aiva mutungamiri wemweya waMwari. Asi kwaivawo namagodobori aishandisa ruzivo nemweya yerima isingaringane naMusikavahu. Mafambiro aya akafanana nenhoroondo yeBhaibheri, hongu munyika kune mweya yakasaringana neMusikavanhu. Chaminuka aizokosheswa kana Mvura yaramba kunaya, nzara yaruma, zvirwere zvaparadza nedzihondo dzemadzinza dzaturuka. Hugodobori hwese hwamhova, ndipo vanhu vaitarisa kuna Chaminuka kuti ataure namwari varegererwe zvidariko zvavo.
Chaminuka aituma vana vasikana vadiki, vakachena panyama kuno taura nhuna dzvanhu pamuti kana padombo raizivikanwa. Iye aiti haana kukodzera kumira mberi kweizwi raMusikavanhu. Ivo vana dnivo visvika vozomuudza iye agere seri kwegwenzi kure. Mashoko aizosvitsa kuvatungamiri nevanhu vese. Paikumbirwa mvura inaye, kudya sezvihuta neMana chena yaifukunurwa pasi.
Midzimu, mashavi, nemasvikiro zvakanga zvisiko, zvitsva muchishona. Vachena vakaparadza nhoroondo yemagariro evnhu [Bantu]. Zvizvarwa zvakazouya nekuda kukambira ukuru ndokutanga kumutsirida asi zvisina ruzivo uye nehundyire. Vamwe vakatanga kuzviti ndagarwa nemeya waChaminuka saka ndini Chaminuka. Ndipo pakatanga vanhu kuti ndasvikirwa. Panonwiwa doro kana kuputa zvinodhaka hanzi ndasvikirwa, hongu wasvikirwa nekuti musoro wareruka. Iye Chaminuka akanga asinganwe kana kuputa sevaporofita vese vaitaura naMwari. Mweya iya yakanga isingaringanidze naMusikavanhu yakatanga kuzviti ndiyo masvikiro anotaura naMwari. Sekuziva kwedu nguva yaMwari achitaura kuburikidza neMaporofita yakapfuura. Hakuchazovazve neMaporofita nekuti zvakazadziswa kare. avako zvino chenjerai ndevenhema. Musikavanhu haachadi maPorofita saChaminuka, asi vaVhangeri.
VaChaminuka vaive gwenyambira (kana bandambira) vaive nemukurumbira yeku ridza mbira dze pasichigare nemazvo, dzavayipuwha nevadzimu – kuzvika murizvino mhanzi dzavo dzichikuoneka dzichipesvedzera mhanzi dze mbira dzanhasi.[1]
Ringai zve:
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Mabviro eruzivo:
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- ↑ 1.0 1.1 Pamhepo nekuponeswa na Sekuru, 06-Kubvumbi-2020, "VaChaminuka: Nhoroondo dze Chivanhu" Zambuko ReChivanhu Zimbabwe International. Yakaringwa 24-Zvita-2022