Basa (remari)

Kubva Wikipedia

Basa (Job, employment) zvinotaura shishi inoitwa muhushangazhi vanhu vachishandira kubhadharwa mari. Vanhu vazhinji vanoshandira hurumemnde nemaKambani. Kunoitawo vamwe vanhu vanozviitira zvinhu zvavo vasina mukuru wavanoti ndiya achandibhadhara mari.

Mukutaura kweSlang yeChishona basa rinonzi graft.

  • Kubishinga (work energetically) zvinoreva kushanda nesimba. Vari kubishinga mabasa, kurima.
  • Bishi (whole-hearted activity). Pane bishi hapadanwi anonzwa.
  • Kubizuka, kubinduka zvinoreva kubata basa rinorema - (do physically hard work).
  • Mutare (service for which no recompense is given immediately).
  • Mundi (service for which no reward is given).
  • Chirango (token service to show respect and goodwill).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaKikuyu vanoti wera (n. work) kureva basa.
  • VaKikuyu vanoti koruta wera (to work) kureva kushanda. VaKikuyu vanoti muruti wera (workman) kureva mushandi.
  • MaZulu vanoti ulushishi (n. Persistent continuation of action; continued walking; persistent loquacity) - zvichida vanoreva shishi.