Bakwena

Kubva Wikipedia

Bakoena kana Bakwena (kureva vayera ngwena) idzinza revanhu rinowanikwa kuchamhembe]] kweAfrika. Bakwena vanowanikwa vachigara pamwe nemarudzi eSotho neTswana. Vanhu ava vanogara munyika dzinoti Botswana, South Africa, Zimbabwe neEswatini. Mitauro mikuru yavanotaura inonzi Sesotho neSetswana.

Nhoroondo yavo inoti Koena akanga ari muzukuru waMasilo I uyo aiva mambo weBakoena mumakore ari pedo neAD 1360. Koena nebato raimutevera vakavaka musha paTebang iyo yave kunzi Heidelberg. Kunana AD 1500, Bakwena vakapararira mudunhu iri, rinoubva paRwizi Vaal kusvika Kalahari kuBotswana. Kgabo II akabuda nebato duku akaumba muzinda wake munyka yeBakgatla mushure mekunge avatandanisa kubva munyika yavo.