Mudzidzisi
Mataridziko
Mudzidzisi, mufundisi kana murairidzi (Teacher) munhu ane ruzivo anoshanda pachikoro achidzidzisa kana kupakurira vamwe vanhu ruzivo rwake. Izwi rokuti mudzidzisi rinonyanya kutaurwa padanho rechikoro chePrimary neSecondary.
MuZimbabwe vadzidzisi vanodzidza vachirairidzwa basa ravo kwemakore matatu kana mana.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kudzidzisa, kufundisa, kurairidza (to teach).
- Chidzidzo (a lesson) kureva zvacho zviri kudzidziswa.
- Kudzidza (to learn; state of being educated) apa kureva kugamuchira chidzidzo kana kuva munhu akafunda zvidzidzo.
- Dzidzo kana fundo (Education).
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaGiryama vanoti mu-funda (to instruct) kureva kurairidza. Mamwe mazwi: mufunda (instructor) kureva murairidzi. Mafundo (instruction) kureva chirairo.
- VaNyakyusa vanoti manyisya (v. teach) kureva kudzidzisa. Mamwe mazwi: manyisigwa (be taught) kureva kudzidziswa.
- VaNyakyusa vanoti manyila (v. learn) kureva kudzidza. Vanobva vati manya (know) kureva kuziva.
- Mang'anja vanoti mpunza (n. learner) kureva mudzidzi. Mamwe mazwi: punza, punzira, pfunzira (v. learn) kureva kudzidza kana kufunda.
- Mang'anja vanoti upunza (learning) kureva kudzidza kana kufunda. Mamwe mazwi: punzitsa (to teach) kureva kudzidzisa kana kufundisa. Mpunzi kureva mudzidzisi.