Tsvikitika
Kana chinhu chichinzi chakatsvikitika (1. In good condition; in good health) zvinoreva kuti chine chimiro chakanaka chinotarisirwa pachiro cherudzi urwu. Izwi rokuti tsvikiti rinokwanisa kuzoshanda kuturikira mazwi anotodzana anoti: substance, substantial or substantiate.
- Rugaro (state; a condition or way of being that exists at a particular time).
- Dzvinu, svinu kana masvinu (Good i.e. having properties a thing should have; Genuine). Kana aei munhu toti musvinu.
Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Ndashaya motokari yakanatsoti tsvikiti yandingatenga pagaraji riya - apa kureva of solid character or quality.
- Sachigaro vakati hapana hurongwa hwakanyatsoti tsvikiti hwekuvaka chikoro - apa kureva firm, strong, confirmed
- Hapana kwaari kushanda kwakati tsvikiti, ari kungoshandawo maricho - Apa kureva of real worth, value, or effect.
- Hapana chakati tsvikiti chawataura pamashoko ako ose - Apa kureva of real worth, value, or effect.
- Mapurisa havasati vawana humbowo hwakati tsvikiti panyaya iyi - Apa kureva possessing substance; having practical importance, value, or effect.
Kuumba Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Chikamu chino chiri kuunganidza mashoko anoda kutodzana; vavariro yemunyori pano kutsvaga izwi rinoturikira substance.
- Yakatsvikitika kana Yakati tsvikiti
- Tsvikitirwa kana mutsvikitirwa
- Tsvikitika (to become strong and healthy, esp. after a long illness).
- Chatsvikita
- Tsvikitira
- Dzikiti (ideo of being self possessed).
Zvakanaka kuzivisana kuti shandisirwo iri kuitwa mazwi aya pano haiko kuChiShona chinodzidziswa muChikoro.