Rufuvha (magetsi)

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Muchidzidzo fundoyetsimba, rufuvha (current) zvinoreva kuyerera kwechaji yemagetsi muhwendedzo inopereka magetsi.

Mumaseketi emagetsi, chaji iyi inositakurwa nemaerekitironi muwaya. Inogonawo kutakurwa nemaayoni mumupfutukanegetsi (electrolyte) kana kuti nezvose maerekitironi nemaayoni mupurasima.

Chiyero cherufuvha mumaSI chinoyera reti yekuyerera kwechaji paumwe hwechiyero chenguva chinonzi ambee (A) (muChirungu, ampere). Ambee imwe chete inoyera chaji yecoulomb imwe chete inoyerera munguva yesekondi imwe chete. Rufuvha rwemagetsi runopimwa nemuchina unonzi amita.


Mhando dzerufuvha[chinja | edit source]

Rufuvha runonyanya kuwonekwa ruchifamba nenzira mbiri dzinoti: rufuvha rwetsinhamativi (alternating current) uye rufuvha rwemutondakumwe (direct current).