Rovambira
From Wikipedia
Rovambira (Black mamba) imhando yennyoka inowanikwa muAfrica. Rovambira ndiyo nyoka ine huturu hwakanyanya kusimba panyoka dzinowanikwa muAfrica. Iyi nyoka inokura kureba 2.5 to 3.2 metre imwe nguva inoreba kusvika 4.45 metre. Rovambira ndiyo nyoka inonyanya kumhanya kudarika dzose Pasirose, inokwanisa kusvika pamurumba we 4.32 to 5.4 metres pa second.
Zita reEnglish rokuti "Black Mamba" rakapiwa nokuda kwemukanwa menyoka iyi munova mutema kwete nokuti nyoka iyi inhema. Nyoka iyi inozivikanwa nekuva nehuturu hunouraya munguva dikidiki yokunge munhu arumwa uye inorwisa pasina kunge yadenhewa.