Nhumbu

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
PregnantWoman USDA.jpg

Munhukadzi anonzi ane Nhumbu kubva panguva iyo anosangana nemurume mwana achitanga kuumbwa muchibereko chemukadzi. Panguva yokunge mukadzi ave nenhumbu dumbu rake rinotanga kukura zvichienderana nekukura kuri kuita mwana muchibereko. Vamwe vatauri vanoti mimba.

Nhumbu yemunhu inotakurwa kwemwedzi mipfumbamwe (9). Vanhu vanoberekana nenzira inokumbanidza mbeu yemurume nezai remukadzi mushure mokunge murume nemukadzi vasangana kana vakumbana

Zvinosarira muchibereko mushure mokunge mwana abuda zvinonzi rusarira, musana kana kuti chavakuru - after-birth.

Tsumo [chinja]

  • Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro: what is impossibleis impossible, a foetus is not killed by coughing.
  • Nhumbu mukadzi mukuru hairevi chayadya.
Kukura kwenhumbu pamasvondo 26 nemasvondo 40