Muteuro

Kubva Wikipedia

Muteuro (kureva a cry out to the Devine; holy devotion; a prayer; a sacrifice; holy water) kana mutewuro ishoko rechishona rinotsanangura kutaura kunoita vanhu kunaMwari vachivaudza zviri muhupenyu hwavo, pachikuru muteuro imvura itsvene yakanamatirwa inoonekwa seyakacheneswa neMweya Mutsvene inoshandiswa kubvisa munyama.

Kutsauranisa Chirevo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Ringai futi: Muteuro (tsauranisa chirevo)

Muteuro (Chipiriso)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Duramazwi reWushumo weVaShona rinoti muteuro zvinoreva kuti chipiriso[1], izvi zvinodai nokuda kweshoko rokuti kuteura - iro shoko rinoshandiswa kureva zvakasiyana pekare. Rinoreva kuteura ropa (kucheka mombe ichibuda ropa), rinoreva kudurura kweMweya Mutsvene kuvanhu, kana kuteurwa kwemashoko kana zvivuya kuvanhu, senge kuti "teura mweya" zvichireva (pour out the spirit).

Muteuro (Mvura itsvene)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvichitodza kuteurwa kwemweya zve, shoko rokuti muteuro rinoshandiswa kuturikidzirwa zvinonzi "holy water", kureva "mvura-itsvene" iyo imvura yakanamatirwa inomwayiwa vanhu kuti vave vatsvene. Muteuro unogona kunge uune matombo mukati futi, zvichienderana nevatendi.

Muteuro (Munamato)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muteuro zvinoreva futi kuti munamato, apa kutodza muteuro we mvura itsvene, mvura yacho inova itsvene nekunamatirwa. Munhu anomwayiwa nemuteuro.

Ringai zve:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mabviro eruzivo:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Vashona Project, (31 Ndira 2020), "Muteuro" Yakaringwa: 8 Ndira 2023