Munwe

Kubva Wikipedia

Minwe ndidzo nhengo dziri kunoperera mawoko dzatinoshandisa kubata nadzo zvinhu. Munhu ane minwe gumi. Mamwe mazita: chinwe, chigunwe, zvinwe kana zvigunwe.

Shoko rokuti chitupa (1. Finger mark; 2 Thumbprint) rinotaura mudhindo weminwe unotorwa kana munhu achitsikisa chitupa. Vamwe vatauri vanodana mudhindo uyu kuti ruchiva kana ruchivo.

Pfundo kana fundo (joint of finger).

Mazita eminwe[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chara (thumb) ndiwo munwe mupfupi mukobvu unopfumbana nemimwe minwe yose. Kana munhu akabata mupinyi webadza, chara chinopoterera nedivi racho chega. Chara chinshandiswa kutswanya sekutaura kwetsumo inoti: Chara chimwe hachitswanyi inda. Pahuwandu toti zvara

Munongedzi, muchimbo, chitendeko, mutendeka kana kuti Mutendeki (index or pointing finger) ndicho chigunwe chinotevedzana nechara chinova ndicho chinoshandiswa kunongedza.

Kasiyanwa' karavi, karava kana munwana (pinky finger) ndiwo munwe mudukusa uri kune rimwe divi rakapesana nechara. Kukwenya munho nekasiyanwa kunotaurwa apo munhu anenge achiita tarisiro rokuti ave nerombo rakanaka pane chaakamirira kuti chiitike.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Minwe misiyanwa. Fingers are different (in length).
  • Munongedzo hauzvinongedzi.
  • VaMambwe vanoti kalima na munwe kureva munhu anotaura zvirongwa zvikurusa zvaasingakwanise kuzoita.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaFwe vanoti munwee kureva munwe. VaSangho vanoti liti (n. finger) - chikoro vanoti likolo. VaBemba vanoti cikumo (thumb) kureva chara.
  • Taabwa vanoti kiala (thumb) kureva chara. Maconde vanoti chala kana vyala (finger) kureva chara. Nyungwe vanoti cala kana bzala kureva munwe.
  • VaYao vanoti chala (toe, finger), kureva chigunwe. VaChewa vanoti tshala kana dzala (finger), kureva chigunwe.
  • VaWanga vanoti olwala (finger) kureva chara. Swahili vanoti kidole (finger) kureva munwe. Sangho vanoti kota maboko (n. thumb).
  • VaDigo vanoti gumbe (alone) kureva ari ega, kana chiri chega. Mamwe mazwi: dzala gumbe kana kidole gumbe (thumb) kureva munwe uri wega.