Mhesvi

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Mhesvi (catalyst in English) mishonga inobatsira kukasira kwekurongwa patsva kwemaatomu kana mishonga miviri ichiita muvandu wemishonga. Mhesvi inoderedza simba rinodiwa kuti maatomu ari mumishonga arongwe patsva pakuvanduka kwemishonga.

Panoitika muvandu uyu iyo mhesvi pachayo haishanduke pakupera kwemuvandu, asi inobatsira mumatanho anopfurwa nemaatomu kuti ange achirongeka patsva.