Muvandu wemishonga

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Thermite skillet.jpg

Kuvanduka kwemishonga (chemical reaction) zvinoreva kushanduka kunoita kuringaniswa nekubatanidzwa kwakaitwa maatomu ari pamishonga. Kuvanduka kwemishonga kunoonekwa kana chimwe chezvinotevera chaitika:

  • Mishonga yasanganiswa,
  • Hujoto hwakwira kana kudzika,
  • Puresha yakwira kana kudzika.
  • Hutapiri hwemushonga kana huchinge hwakwira kana kudzika.

Shoko rokuti kuvanduka rinotaura kushanduka kana kuchinja; zvoreva kuti panoitika “chemical reaction” mishonga inoshanduka chimiro kuburikidza nemuvandu unenge uchiitika. Zvakafanira parizvino kuonesana kuti mushonga uri pamhene pane mhepo uri kutosangana nemhepo ipapo panosangana mhepo nemushonga. Muchidzidzo chezvemishonga mhepo itori mushonga une magasi akasiyana-siyana. Saka kana mushonga uyu uchikwanisa kuita muvandu nemhepo unototanga kuita. Zvakafanana ne iron iri pane mhepo nemvura inotanga kuita ngura.

Murumba weKuvanduka kweMishonga [chinja]

Muvandu wemishonga unokwanisa kuitika nokukasira kana kunoitika kuchinonoka zvichienderana: nemishonga yacho yasanganiswa; uye kuti mishonga iri pahujoto hwakadii nemutsindo wakadii.

Somuenzaniso gasi rinonzi oxygen rikasanganiswa negasi rinonzi hydrogen pahujoto 100oC nemutsindo 1 atmosphere, panoitika muvandu unobuditsa mvura; muvandu uyu unoitika nokukasira kwakanyanya. Pakuvanduka uko panonzwikwa kuputika.

Panoita iron ngura inenge yasangana nemvura – kuvanduka uku kunoitika kuchinonoka nenzira isina kuputika.


Pano pari kuumbwa mazwi matsva anokwanisa kuzoshandurwa kana mutauro wedu wokura. Chikumbiriso kuti musashandura kana musingaunze shoko idzva. Tarisai nhasi English inodana kukwata kwemabwe kuti volcano zvichibva pazita ramwari wemaRoman weMoto nemarimi emoto. Zita iroro rakapfumbira kusvika nanhasi kunyangwe ruzivo rwavepo rwokuti "volcano" hainei nechekuita na"Vulcan" mwari wemaGreek.