Mboro

Kubva Wikipedia

Mboro inhengo yemuviri wemunhu rume. Mboro inoshandiswa kurasa mvura dzemumuviri, nekusika rudzi. Dzimwe mboro dzinobviswa ganda remberi. Kubviswa kweganda uku kunonzi kuchecheudzwa, uye mboro isina ganda remberi inonzi shondo. Vanhu vakadzingiswa vane mikana yakati shomekei yekubata zvirwere zvepabonde nekuda kwekuti rukanda rwepamusoro pemboro runenge rwakati omararei zvinoita kuti utachiona hwezvirwere hunetseke kupinda mumuviri. Uyezve vakachecheudzwa havakurumidze kubuditsa pabonde uye kunakirwa kwavo kushoma.

Mupimo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nzira inoshandiswa nevarungu inowanzo konzera kuti mboro itadze kumira, inopedzesera yava kungorembera. Dziya dzatinoona mumafirimu emapono dzinenge dziri doko asi kuti panogadzirwa firimu vanoita kuti firimu riratidze kunge hombe. mamwewo mafirimu anoshandisa mboro dzezvimiti kana kuti silicon dzinenge dzaka pfekerwa pamusoro pemboro kuti iratidze kunge hombe.

Hurefu hwemboro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Wongororo dzakaitwa kuchipimwa hurefu hwemboro dzakabuda dzichitaura zvakasiyana.Mupimoo wemboro wakanaka kunangisa ruoko rwako kubva parwunotangira kusvika panogumira chigunwe chepakati.

  • Imwe wongororo yakapima mboro dzakamira kuAmerica yakawana hurefu hunoita 12.9cm chipakati; kunonzi wongororo iyi yaitarisa varume vemarudzi neganda rakasiyana.
  • Imwewo wongororo yakapima dzisina kumira yakawana dzakareba 10.2cm chipakati, nekufuta 30.2cm zvichireva kuti tambo inopoterera 10.1cm. Pakazopimwa dzamira dzakanga dzareba 15.2cm, dzakafuta 3.8cm zvichireva kuti pimamuganhu yakanga yave 11.9cm kupoterera.

Vakaita wongororo idzi kunonzi vaida kubatsira "varwere" vanonetseka nenhau dzekumira kwemboro uye ave vanotsvaka kuti dziwedzerwe kukura kuZimbabwe.

Varume vazhinji vanoda kwazvo kuva nemboro hombe .Kuva nemboro hombe kunoita kuti varume ava vafunge kuti vanozokwanisa kufadza zvakanyanya kana kuti kunakira vadikani vavo pabonde .Asi mutsvagiridzo dzakaitwa kukura kwemboro hakunei nekunaka kwavanoita kana vava kuita bonde asi kuti kugona kushandisa mboro yacho nekutekenya mabhatani chaiwo. Kukoira kusvinu kunokurudzirwa kuti murume ugutse mukadzi wako pabonde,hazvinei nekuti une mboro yakaita sedora kana kuti chigurinhwa.

Mazwi eBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaTumbuka vanoti mbolo (penis) kureva mboro. VaWanga vanoti imbolo (penis) kureva mboro.
  • VaBemba vanoti membe (n. penis). Herero vanoti omu-kova (n. foreskin).
  • Lugwere vanoti ibbolo kana mabbolo kureva mboro. Maconde vanoti chitongo kureva mboro.
  • VaGulu vanoti mpholo (n. knob - a projecting part, usually rounded, forming the handle of a door, drawer, or the like.).
  • VaLozi vanoti pili, nemba kana linemba (n. penis) vachireva mboro.
  • Lozi inoti ku lunda kana ku lunzha (to be erect - of penis).
  • VaTonga vanoti museke (n. glans penis). Kinande vanoti obusoni kureva nhengo dzesikarudzi.