Mboro
From Wikipedia
Mboro inhengo yemuviri wemunhu rume. Mboro inoshandiswa kurasa mvura dzemumuviri(urinating), nekusika rudzi (sex). Dzimwe mboro dzinobviswa ganda remberi; kubviswa kweganda uku kunonzi kudzingiswa, uye mboro isina ganda remberi inonzi shondo. Vanhu vakadzingiswa vane mikana yakati shomekei zvishoma pakubata zvirwere zvepabonde nekuda kwekuti rukanda rwepamusoro pemboro runenge rwakati omararei zvinoita kuti utachiona hwezvirwere hunetseke kupinda mumuviri.
Kukura kwemboro kunosiyana, hakuenderane nekukura kana hudoko hwemuviri wemunhu, Vamwe vane hombe vamwe vane doko. Patsika dzedu dzeChiShona kana munhu achida kuita mboro hombe anokwizira mumveve pamboro yake. Asi varungu vanosevenzesa mishina inodhonza mboro kuti dzikure. Dziya dzatinoona mumafirimu emapono dzinenge dzadhonzwa nemishina kuti dzikure.
Mboro ine tsinga dzakawanda dzinofambwa neropa izvi zvinoita kuti iomarare sechimuti yakamira kuri twi kana murume ave kuda kuenda pabonde nekuti moyo unenge wave kuendesa ropa rakawanda kwairi. Kana mboro ichinge yamira pfungwa hadzinyatsoshanda zvakanaka.