Madziya
From Wikipedia
Muchidzidzo fundoyetsimba, madziya (heat kuEnglish) zvinoreva mhando yesimba rinoyerera pakati pezviro zviviri zvine hujoto hwakasiyana.
Madziya anoyerera kubva panzvimbo ine hujoto huri hukuru kuenda kune ine hujoto hudiki. Sokuti madziya anoyerera kubva panzvimbo ine hujoto hwe 100o kuenda kunzvimbo ine hujoto hwe 40o.
Madziya anopimwa nechiyero chinonzi Joule chinove chimwechete chinoshandiswa kupima dzimwe mhando dzesimba.
Tsika [chinja]
Kana nzvimbo ine kudziya kwakanyanya inonzi ine mbirira kana kuti chifundi.
- Ndatadza kupinda mumba nokuti mune mbirira.
- Akatadziswa kufema nembirira yesora raitsva.