Jende

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Jende - machende (muruzhinji), masvada. inhengo yemurume inowanikwa pasi pemboro pakati pemakumbo yakarembera. Machende anongogara ari maviri.

Machende ndiwo anogadzira hurume. Kana pasina machende munhu kana mhuka haikwanise kuberekesa.

Machende ndiwo aya anonzi muchirungu ma testicles; uye maari ndimo munogadzirwa mbeu yehubaba, unonzi uronyo kana kuti maronyo. Machende anozivikanwawo nezita rekuti makandi asi vamwe vanowanzomati matomatisi kana kuti mabhora. Murume umwe neumwe unenge ane machende maviri, asi kune varume vashoma vane jende rimwe.

Machende anogadzirawo chidenhi chinonzi testosterone chinodenha kuyaruka kwemukomana kuti ave nechimiro chemurume.

Svada (scrotum) zvinoreva chibhegi chinoonekwa kunze chinotakura nhengo iyoyi yehurume.

Kana jende riri rimwe rinonzi Jendekufa. Kana ukaita rimwe hombe kamwe kari kadiki unonzi une jendekufa zvakare.

..