Gwenga

Kubva Wikipedia

Gwenga, chiwunde kana renje (desert in English) inzvimbo isinganaye mvura zhinji isina miti mizhinji. Gwenga kazhinji rinopisa uye mhepo iri mugwenga ine hunyoro hwakaderera. Ichi ndicho chimwe chikonzero chinoita kuti gewnga risave nezvizhinji zvinokuramo.

Muziwumbe reAfrica kune magwenga anoti: Kalahari; Namib; neSahara. Nzvimbo idzi dzine michero nemhuka zvinorarama imomo.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaGiryama vanoti lwanda (a bare desert) kureva gwenga. VaShambala vanoti luwanga (n. bare ground).
  • VaMbugwe vanoti jangwa kureva gwenga. VaZigula vanoti nyika (desert; wilderness) kureva gwenga.
  • Mambwe vanoti cisweswe (waste land; desert) kureva gwenga. Luganda vanoti eddungu (n. desert) kureva gwenga.
  • Kinande vanoti embwerere; embwarara (desert; wilderness) kureva gwenga.
  • Maconde vanoti likonde kana makonde (desert area without water) kureva gwenga.
  • Kimbundu vanoti museke (n. desert) kureva gwenga. IsiNdebele vanoti inkangala kureva gwenga.
  • Gbeya vanoti gbeŋ (v. to be hot). Mamwe mazwi: gbeŋ fara (n. hot place). Yangben vanoti kʷ≠ɛ̌ɲ (v. heat).
Gwenga