Ndara

Kubva Wikipedia

Ndara kana kuti Mhunzamusha inozivikana nezita rekuti southern file snake paChirungu Nyoka iyi inoyera zvisingaite uye ichena.

PACHIVANHU mhuka nezvimwe zvisikwa zvakasiyana zvine zvazvinomirira nekududzira kana zvichinge zvaonekwa, zvimwe zvacho zvinonzi zvakanaka asi zvimwewo zvichinzi zvakaipa zvichifambirana nekuti zvaonekwa panzvimbodzakaita sei.

Seshiri dzemashuramurove, dzikaonekwa vanhu vanobva vaziva kuti mvura inenge yave pedyo nekunaya. Imwezve shiri, haya, ikaswerochema inonzi inenge ichishura kunaya kwemvura uye njiva dzikabhururuka nepamusoro pemba dzichirira hanzi pamusha ipapo pachashanya vayenzi.

Nerimwewo divi, huku dzikarwa pamusiwo pemba zvinonzi zvinorevazve kuti pachauya vayenzi asi kamhuka kanonzi hovo kanonzi kakadarika mugwagwa nepamberi pevanhu vari parwendo, mashura, kwamunenge muchienda kunenge kusina kunaka.

Asi chikara chisingatombodiwa pamusha nevaotenda zvechivanhu inyoka inodadzwa kuti ndara kana kuti munzamusha (Cape file snake muchiRungu). Inonzi ikaonekwa bedzi pamusha, zvinoshura.

Sezita rayo, mhunzamusha inyoka inonzi haifanirwe kumboonekwa mumusha sezvo ikasvikamo, “musha waparara”.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Herero vanoti o-ndara (n. boa constrictor) kureva mhando yenyoka.

[1]

  1. https://www.pindula.co.zw/Snakes_In_Zimbabwe