Guyo (upper millstone in hand grinding) dombo rekumusoro rinoshandiswa pakukuya nemawoko.
Huyo (lower millstone in hand grinding) dombo rekuzasi rinoshandiswa pakukuya nemawoko.
Dzinda (Small heap of grain on a grinding-stone; 2.little grain to be ground) - apa kureva kamurwi kembesa dziri paguyo. Vamwe vaturi vanoti njera; pita kana zunzu. Vamwe vanodudzira njera vachiti kudya kwakakwanirana nezuva iroro - a day's portion of grain.
Morwa (Partially ground meal set aside for occasion when its final grinding will be done).
Kumhotsa (Grind to fine powder) apa zvichireva kuotsa pakukuya kana kugaya.
Dzinde kana dzinda (Small heap of grain on a grinding-stone).