Dumba

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Pyramid (PSF).png

Muchidzidzo chePimanyika, dumba (Pyramid kuEnglish) chivakwa chine zviso zvese zvokunze (tisingaverenge hwaro) zvakaumbwa kuita gonyonhatu uye zviso izvi zvichinosangana pachimiso chiri pachisuvi. Hwaro hwedumba hunogona kunge hwakaumbwa kuva chero ipi zvayo gonyozhinji (polygon). Izvi zvinoreva kuti dumba rine zviso zvakaumbwa kuva gonyonhatu zvinoverengwa kuva zvitatu kana kuraudza. Dumba reSkweya ndiro rinowonekwa kazhinji.

Kupiwa kwezita[chinja | edit source]

Shoko rokuti dumba rinotoredzera kubva pachiumbwa chinoonekwa kana tichitema mashanga echigabe nokuamisa kuita matumba. Kune matumba ariko nhasi kunyika yeEgypt ayo akavakwa kuti ave nzvimbo yaivigwa anaPharoah madzimambo eEgypt. Dumba ratinoona pakuwunganidza mashanga echibage harifanane kuti gedye-gedye nematumba ari kuEgypt; iri zita rapiwa nokuti ndiro riri pedyo pakucherechedza kuumbwa kwakaitwa dumba

Mhando dzeDumba[chinja | edit source]

Tiri muchidzidzo Kupimanyika, kune marudzi ematumba anodanwa zvakasiyana zvichienderana nechiumbwa chiri pahwaro hwedumba racho. Sokuti kune: dumba regonyonhanhatu (hexagonal pyramid); kwoita dumba reSkweya (square based pyramid); dumba regonyonhatu (triangular pyramid); dumba regonyoina tsazamakonyo (rectangular pyramid), zvichingodaro.

Bibliography[chinja | edit source]

  • Wolfgang Kosack: Die altägyptischen Pyramidentexte. In neuer deutscher Uebersetzung; vollständig bearbeitet und herausgegeben von Wolfgang Kosack. Christoph Brunner, Berlin 2012, ISBN 978-3-9524018-1-1.