Danhamakonya
From Wikipedia
Muchidzidzo chepimanzvimbo, Danhamakonya (Diagonal kuEnglish) izwi rinoreva mutsetse wakati twasa unobva pagonya uchidanha nemukati megonyazhinji kuenda pane rimwe gonya. Danhamakonya rinobatanidza makonya asina kutevedzana chete.
Kana chiumbwa chiri tsazana, danhamakonya rinobatanidza goko (centre) negonya mbiri dzakatarisana. Zviumbwa zvine mativi anodarika mana zvinoita madanhamakonya anodarika maviri.