Uso
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuChiso (muviri))
Uso, vuso, chiso kana hope (kureva face) zvinoreva kumberi kwemusoro wemunhu kana mhuka kunova ndiko kune mhuno nemaziso. Chiso chemunhu chinotangira munoperera vhudzi.
- Chombe (bone above the eye) apa kureva bvupa riri pamusoro peziso.
- Chavovo (temple on the head) apa kureva kumativi emusoro kuri kuri kumusoro kwematama.
- Manhanda (wrinkles on face).
- Mhutu (cheek).
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mwana uyu ane chiso chakati baranganda - apa kureva chiso chakajeka chisina kurema, chemunhu anotaridzika seakasununguka.
- Kusekera mumhutu (laugh without showing it; laugh up the sleeve).
- Kuita mhutu (drink a mouthful) kureva kunwa zvinozadza mukanwa kamwe - kanonzi kamhutu.
Mitauro yeAfrika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Tumbuka inoti chisho kureva chiso. Giryama inoti uso (v. counternance) kureva chiso. Lusoga inoti obwanga (n. face).
- Fwe inoti buso (front) kureva kumberi. Chuwabo inoti kove kureva kumeso. Nsenga inoti chinso (face, appearance, complexion) kureva kumeso.
- Nyungwe neChewa vanoti nkhope kana nkope (the face, countenance) kureva chiso. Yao vanoti ngope (n. face) kureva hope.
- VaHerero vanoti omurungu (n. face) kureva chiso. Mamwe mazwi: omurungu omupepu (n. thin face; narrow face) kureva chiso chitete.
- VaMambwe vanoti cata (countenance, looks, features). VaBemba vanoti mpumi (face). VaMaconde vanoti ing'ope (face) kureva uso.
- Nyaneka vanoti otyipala (n. face) kureva chiso. Umbundu vanoti ochipala (n. face) kureva chiso.
- Uyo Ibibio inoti iso (n. face, front, future) kureva chiso. Shambala inoti chene (n. face) kureva chiso.