Chiringakure (Telescope) mudziyo unoshandiswa kuona zvinhu zviri kure zvikurusei kana kuri kutariswa muchadenga neavo vanowongorora zvechadenga. Chiringakure chinogonesa kuti vanhu vaone zviri kunyenyedzi, mwedzi, zuva, nemimwe mitumbi iri muchadenga.