Vatevedzani

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuVarumudzani)

Vatevedzani, ana budandibudewo kana varumudzani (children born one after the other) zvinoreva vanhu vakazvarwa naAmai vamwe vakatevedzana pakuzvarwa kwavo.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • PaChiShona izwi rokut budandibudewo rinofananidzira vanhu vakamirirana kubuda mudumbu maAmai vavo, mumwe achitanga mumwe achizoteverawo kana chijana chake chakwana.
  • Kana vanhu vakanzi vari kuita sevatevedzani kureva kuti vanogaro netsana mukutaudzana sezvinoita vanhu vakarumudzana zamu raAmai vamwe. Apa vatevadzani vanokondana uye pauviri hwavo hapana anoda kukundwa, vanoita sevanorwira chinzvimbo chehukuru. Dzimwe nguva murume nemukadzi vakaroorana vanogona kuitawo sevatevedzani mukutaudzana kwavo - pahuviri hwavo hapana anoda kukundwa zvakare.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Tsitsi ndibudandibidewo naTaurai, kwakatanga Tsitsi muna 1980 kuchizotevera Taurai muna 1982.