Talk:Wikipidhiya

Zvirozvemo zvezanhi hazvitsigirwe mumimwe mitauro.
Kubva Wikipedia

Kutiza mukumbo

Kutiza mukumbo, kana kuti kutizira,imwe yenzira dzewanano dzavaShona, pachirungu kutizira kutiza eloping. Musikana anotizira kumukomana wake mushure mekunge abata pamuviri. Dzimwe nguva anoperekedzwa natete vake, kana kuti neshamwari yake. Anotakura twake twese oenda kumukomana wake vanhu vasingazivi. Shoko rinozotumirwa kuvabereki vemwanasikana kuburikidza nemunyayi.Mhuri yemukomana younganidza pfuma yekuroora mwenga wavo mutsva.