Simba reChakunga
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuSimba rechakunga)
Simba reChakunga (potential energy) zvinoreva simba riri pamutumbi nokuda kwepanzvimbo pauri, kana simba riri pamutumbi nokuda kwekurongeka kwakaita panzvimbo pauri.
Kupiwa kwezita
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Somuenzaniso kana nemuseve wakungwa pauta, museve unenge wave nesimba rechakunga; ipapa pakukunga museve pauta ndipo pabva zita rokuti simba rechakunga. Paya panoti museve watepfenyurwa simba rechakunga rinoshanduka kuva simba renhekairo.
- Kana munhu akakwira mumuti anenge awana simba rechakunga rinoderera chete nekuburuka kana kudonha kubva mumuti iwoyo. Panguva yokunge munhu achiburuka kana kudonha simba rechakunga rinoshanduka kuva simba renhekairo.
- Kana rhekeni yatakura dombo pachikumbha igochitatamurwa, dombo rinenge rave nesimba rechakunga. Paya pokuti dombo ratupfunurwa , simba rechakunga riri parhekeni rinoshanduka kuva simba renhekairo.