Shava Mvuramavi

Kubva Wikipedia

Shava Vhuramavi

Zuruvi, Vhuramavi,

VaSeke Mukonde,

VaVhanganyama,

Vakavhanga nyama nohwahwa.

Maita VaSeke,

Chikove,

Chidziva china masahwa,

Maita waZengeza,

Vokwa Sadzadete,

Gobvu rinokonza chitsi.

Zvaitwa Chinerembe,

Evo Masvinga, Ziwewera,

VokwaMuchenje, vokwaMunakirapasi,

Maita zvenyu Zuruvi.

Kuziva zvenyu vari Nharira,

Tinotenda vari Zvipindu,

VaHarava vokwaSeke,

Vari Rare,

Aiwa zvaitwa Vhuramavi.