Shava Mufakose

Kubva Wikipedia
Shava Mufakose

Maita Shava, Maita Mufakose, vokwaNyamhangambiri. Maita Chidavarume, , Pavakadzi pasina anovakunda. Maita mwana waHwata, Mukonde wangu yuyu, Maita veGomba vakabva kwaNyashanu, Mwana waShirichirima, Ano mutsa nengoni, Akaitira ngoni vakanga vatandwa, Akavadzorera muShavarunzwe, Maita vokwaSadzadete, Gobvu rinokonza chitsi, Maita Gurudza vokwatsangadzi Isakacherwa ikapera, Maita Nhuka yangu yiyi, Matuka, mhofu yomukono. Kudya mhofu kudya munyepfu, Kudya bvupa meno omokotoka. Aiwa zvaonekwa Shava yangu yiyi, Tatenda mwana waHwata.