Sam Songo

Kubva Wikipedia

Samuel Songo (1929 - c. 1977) aive mugadziri vezvivezwa arimunyika ye Rhodhesia, vaimuziva vaiona achigadzira mabasa ake aitaura nezvaitika muAfrica mazuva iwayo uye nezve magariro eVanhu muAfrica. Songo akabarwa asingakwanisi kufamba zvakanak nekuda kwemitezo yake yakange yakaomarara, saka vaifamba muchingoro chake. Akagara kwemakore akawanda achiitira basa rake pa Chikoro cheCyrene Mission, aigadzira mabasa emaoko aanenge atumwa na Frank McEwen ,uyo aive mugari weku Hingirandi. McEwen aiwe zve panguva yakatangwa kuvakwa kwemudhuri ve Rhodesian National Gallery of Art aiwezve mutungamiri vepa nzvimbo iyi. Yavekuzivikana mazuva ano se National Gallery of Zimbabwe. Mabasa akatangwa kuitwa navaSongo aive eku kupenda uye kugadzira zvivezwa.Mazuva ake aitevera aizivikanwa nekugadzira zvivezwa zvinotaura nezve manharaunda eva Shona.

Muna 1946, Songo ndiye akange ari mutambi mukuru wepa British Documentary firimu rakanzi "Pitaniko, iro firimu reCyrene".

Muna 1954, Songo akaratidzirwa mabasa ake mune mitsara irimu bhuku rine zita rekuti 'Time' chikamu chacho chinonzi "Wonderstone Wonders".

Mabasa ake mazhinji akaratidzirwa National Gallery of Rhodesia , Museum of Modern Art muna 1968, Musee Rodin muna 1971, uye London's Institute of Contemporary Arts muna 1972. Mazhinji kwazvo akatengeswa kune vaifarira basa rake zvekuda kutogaranaro pamwe neve mamuseum muEngland".