Penti

Kubva Wikipedia
Mapenti evakadzi

Penti (panty in English) chipfeko chemukati chinopfekwa nevakadzi chakareruka chinovhara nhengo dzesikarudzi zvichibva muchiuno nekuenda pakati pemakumbo. Penti rinogadzirwa rine ndandi muchiuno, chipika chinovhara nhengo dzesikarudzi, nemaburi anopinda makumbo anenge ane ndandi zvakare. mapenti haana jira rinovhara makumbo - nyangwe zvazvo mamwe ane makumbo mapfupi chete.

Mamwe mazita anoshandiswa ndeekuti nika, bhurugwa rechikadzi.