Paul Matavire

Kubva Wikipedia

Paul Matavire (mushakabvu) aive chizvagwa chenyika yeZimbabwe iri yanzvi munezvekuimba nemimhanzi. Paul Matavire akazvarwa riri bofu munzvimbo ye Maranda ku Mwenedzi District. Paul ainyanyisa kuzivikanwa nekuimba achishandisa mutauro weChiShona nemashoko akadzama, anonakidza, anosekesa zvaivumburudza vanhu muvhu nokuseka, uyewo aiimba achishandisa mashoko aidudzira mamiriro ezvinhu zvakanyatsojeka nokutsetsa zvinekutapira kunenge mutakunanzva. Ashandisa nyaudzosingwi, madimikira netsumo zvinehunyanzvi husina vamwe vaimbi. Paul aiimba nezvetsika dzinozivikanwa noruzhinji maitikiro adzo muupenyu hwavanhu, asi achidudzira tsika idzi nenzira inosekesa uyewo ichitaridza huipi nekushaya unhu kwevanhu vanoita tsika idzi dzakashata.

Paul akanyanya kuzivikanwa mugore ra 1980 paakave nhengo ye bato re Jairos Jiri Band raive nemukurumbira ku Bulawayo. Akasarudzwa kuve mukuru webato iri nepamusana pechipo chake chekugona kuimba. Akashaika mugore ra 2005 ave nemakore 44 papurazi rake reku Rutenga, kuMasvingo.

Paul anofungidzirwa kuti panguva yekushaika kwake akange ave kuita zvekuchengeta mbudzi ne mombe kupurazi rake raaive apihwa nehurumende.

Paul Matavire
Zita rekuzvarwa Paul Matavire
Zita rekuimba Dr. Love
Gore rekuzvarwa August 3, 1961
Kwaakabva Maranda, Mwenezi (District), Masvingo Province, Zimbabwe
Gore rekufa October 18, 2005 (aged 44)

Rutenga, Mwenezi (District), Masvingo Province, Zimbabwe

Musambo Sungura, Jit, Rhumba.
Mabasa Singer social worker
Makore emukurumbira 1982–2005

Dambarefu [Zadzikisa][chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • The Sounds of The Jairos Jiri Band
  • The Sounds of The Jairos Jiri Band (Featuring Angifuni Ukwendiswa) (with Jairos Jiri Band, 1985 LP)
  • J.J.B. Style (with Jairos Jiri Band, 1986 LP)
  • Amatshakada (with Jairos Jiri Band, 1988 LP)
  • Ethno-Rock Zimbabwe (live album of 1988 concert in Stuttgart, Germany with Jairos Jiri Band, 1989 LP)
  • Matavire Mbune (with Jaios Jiri Band, 1989 LP)
  • Doctor Love, Volume 2 (1990 LP)
  • Back From College (1991 LP)
  • Dhindindi Fulltime (Reissue of Doctor Love Volume 2, 1992 LP)
  • Akanaka Akarara (with the Hit Machine, 1993 LP)
  • Gakanje (with the Hit Machine, 1995 LP)
  • Mapanga Muhomwe (with the Hit Machine, 1995 LP)
  • Asipo Haapo (with the Hit Machine, 1996 CASS)
  • Fadza Customer (with the Hit Machine, 1998 CASS)
  • Govanai (1999 CASS)
  • Zimbe Remoto (2003 CD)
  • Gonye Remari (2004, CD)
  • Paul Matavire, Vol. 3 (2005, CD)[2]

Zvimwewo [Zadzikisa][chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. ^ Paul Matavire Discography
  2. ^ "Paul Matavire | Discography | Discogs".