Nziyo Dzevana

Kubva Wikipedia

1. Katsuro Mugomba

Katsuro Mugomba Katsuro Mugomba Karere Karere Uwe unoziva here kana komuka Kanoti Tomuka tomuka tomuka (Pavanoti tomuka tomuka, vana vanenge vachitamba zvavo vachisvetuka)


2. Ndaone KaPunha

Ndaone KaPunha x 2 Ndaone Kapunha keisuke ndiro Keisuke ndiro, keisuke ndiro pakati pedziwa Pakati pedziwa, pakati pedziwa, gwe wakauya Gwe wakauya, gwe wakauya, ndimutora zvose Ndimutora zvose, ndimutora zvose, kuise murete Kuise murete rinemombe shawa, rinemombe shawa Rinemombe shawa, rinemombe shawa, dzinonwa ngemushwe Dzinonwa ngemushwe, ndinonwa ngemushe, nyanga dzakabatwa Nyanga dzakababtwa, nyanga dzakabatwa, nemagonombira Nemagonmbira, nemagonombira, anobva ute Ute, ute, ute, ute kunobudire zuwa.

3. Uyo Ndiyani Uyo ndiyani, uyo ndiyani Unobveiyo, unobveiyo, Gumbimukumbi, Gumbimukumbi unotsvakei, unotsvaka mand'yambira ake Mand'yambira ake akadhambuka, akadhambuka kwaNyachikwenjere KwaNyachikwenjere kutora dzomu, kutora dzomu kuise mugaba Kuise mugaba raMakosi, raMakosi kurima kwekwedu Kurima kwekwedu kungoti koro, kungoti koro, chachakuchakubvu, Chachakuchakubvu unozvicheka, unozvicheka, kekeureke.