Mwero wechimiro

Kubva Wikipedia

Gwaro rino riri kuunganidzaa mashoko anotsanangura chimiro chemunhu kuchitariswa muviri wake..

  • Ngwiva, mhitsa kana chidhuzha (physically strong person) zvinoreva munhu akasimba zvemhasuru.
  • Chikarakata (Mighty, strong man).
  • Chigwindiri (strong and healthy person) munhu ane hutano hwakanaka uye akasimba zvemhasuru.
  • Chidiya kana madiya (Short, vigorous, restless person) zvinotaura munhu akagwinya anogaroshanda asingadi kugara pasi.
  • Chindiya (Bantam. 2. Short, vigorous person) munhu mupfupi; akagwinya anokwanisa kunge ari mupopoti zvakare.
  • Mudodo (slim, lightly built person) zvinoreva munhu mutete.
  • Mhiri kana umiro (build of a person). apa kureva mumhu wemunhu.
  • Kuwondoroka kana kuwonda (emaciated) apa kureva kuva ndonda.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaZigula vanoti udodo (littleness; smallness; youngness; singularity; small amount or small number) kureva hudiki kana hushoma.