Mushonga unodzivirira gwirikwiti

Kubva Wikipedia

Mushonga unodzivirira gwirikwiti mushonga unodzivirira unoshanda chaizvo pakudzivirira gwirikwiti.[1] Pashure pekupiwa mushonga kamwe chete, 85% yevana vane mwedzi 9 ne95% yevane mwedzi inodarika 12 vanobva vatodzivirirwa.[2] Vanenge vese zvavo vanotadza kudziviririka pamushonga wekutanga, vanova vakadzivirirwa pamushonga wechipiri. Kana uwandu hwevanodzivirirwa munyika hukadarika 93%, gwirikwiti rinobva rinomira kuwanika; zvisinei, rinogona kutanga kuwanika zvakare kana uwandu hwevanodzivirirwa hukaderera. Kushanda kwemushonga unodzivirira uyu kunogara kwemakore akawanda. Hazvisi pachena kana kudzivirira kwawo kuchiita kuchiderera simba nekufamba kwenguva. Mushonga uyu unogonawo kudzivirira kana ukapiwa munhu anenge ava nemazuva mashoma abva kutapurirwa chirwere chegwirikwiti.[1]

Kakawanda mushonga unodzivirira uyu hauna matambudziko aunokonzera kusanganisira muvaya vane utachiona hweHIV. Kazhinji, kukanganiswa nemushonga uyu kunenge kusina kunyanya uye kuri kwenguva pfupi. Izvi zvingasanganisira kurwadziwa panenge papinda nejekiseni kana kuti fivha isina kunyanya. Zvakashumwa kuti kurwariswa kweipapo ipapo kwakaitika mumunhu mumwe chete pavanhu vanoda kuita 100 000. Zvinoratidzika kuti uwandu hwechirwere chinonetesa tsandanyama chinonzi Guillian-Barre syndrome, chinonzi autism uye chirwere chekuzvimba kwematumbu hauna kuwedzerwa.[1]

Mushonga unodzivirira uyu unowanika wakazvimiririra pachawo kana kuti uri mubatanidzwa nemimwe mishonga inodzivirira inosanganisira mushonga unodzivirira rubella, mushonga unodzivirira mahumunya, uye mushonga unodzivirira varicella (mushonga unodzivirira unonzi MMR nemushonga unodzivirira unonzi MMRV). Mushonga unodzivirira uyu unoshanda zvakanaka uri mumagadzirirwo akasiyana-siyana. World Health Organization inokurudzira kuti upiwe pazera remwedzi 9 munharaunda dzepasi rese munonyanyowanika chirwere chegwirikwiti. Munharaunda musinganyanyowaniki chirwere ichi zvine musoro kuti mushonga wacho upiwe pazera remwedzi 12. Mushonga wacho unenge uri mushonga mupenyu unodzivirira. Unouya uri upfu uhwo hwunozoda kutanga hwasanganiswa usati waiswa nechepazasi peganda kana kuti mutsandanyama. Zvinogona kuonekwa kana mushonga unodzivirira wacho wakashanda zvakanaka zvichiitwa nekuongorora ropa.[1]

Inoda kuita 85% yevana vepasi rese yawana mushonga unodzivirira uyu kubvira muna 2013.[3] Muna 2008 nyika dzinodarika 192 dzakapa mushonga uyu kaviri.[1] Wakatanga kuzivikanwa muna 1963.[2] Mubatanidzwa wemushonga unodzivirira uyu uyo unonzi MMR (measles-mumps-rubella) wakatanga kuwanika muna 1971.[4] Pamitatu iyi pakawedzerwawo mushonga unodzivirira chikeni pokisi muna 2005 zvichiguma nemushonga unodzivirira unonzi MMRV.[5] Uripo paMazita Emishonga Inonzi neWorld Health Organization Ndiyo Inokosha, kureva mushonga unonyanyokosha panyaya dzekutarisirwa kweutano.[6] Mushonga wekudzivirira uyu haunyanyi kudhura.[1]

  1. 1.0 1.1 1.2 1.3 1.4 1.5 "Measles vaccines: WHO position paper" (PDF). Weekly epidemiological record. 84 (35): 349–60. 28 August 2009. PMID 19714924.
  2. 2.0 2.1 Control, Centers for Disease; Prevention (2014). CDC health information for international travel 2014 the yellow book. p. 250. ISBN 9780199948505.
  3. "Measles Fact sheet N°286". who.int. November 2014. Retrieved 4 February 2015.
  4. "Vaccine Timeline". Retrieved 10 February 2015.
  5. Mitchell, Deborah (2013). The essential guide to children's vaccines. New York: St. Martin's Press. p. 127. ISBN 9781466827509.
  6. "WHO Model List of EssentialMedicines" (PDF). World Health Organization. October 2013. Retrieved 22 April 2014.