Mushonga unodzivirira Pertussis

Kubva Wikipedia

Mushonga unodzivirira Pertussis mushonga unodzivirira unochengetedza vanhu kuti vasabatire chikosoro chinonzi paChirungu whooping cough.[1] Pane mhando mbiri huru: mishonga inodzivirira yemasero akazara nemishonga inodzivirira isiri yemasero.[1] Mushonga unodzivirira wemasero akazara unoshanda zvakada kuita 78% nepo mushonga unodzivirira usiri wemasero unoshanda zvinoita 71–85%.[1][2] Kushanda kwemishonga iyi inodzivirira kunoita sekunoderera zviri pakati pe2 kusvika 10% pagore asi mushonga unodzivirira usiri wemasero uri iwo unonyanya pakuderera kwacho. Kupa mushonga unodzivirira panguva yekuva nenhumbu kunogona kudzivirira mwana.[1] Mushonga uyu unodzivirira unofungidzirwa kuti wakachengetedza vanhu vanodarika hafu yemiriyoni muna 2002.[3]

Sangano reWorld Health Organization nereCenter for Disease Control and Prevention rinokurudzira kuti vana vese vapiwe mushonga unodzivirira chikosoro chepertussis uye kuti mushonga wacho uve pakati pemishonga inodzivirira inogaropiwa vanhu.[1][4] Mushonga uyu uri pakati peiya inopiwa vanhu vane HIV/AIDS. Kakawanda zvinokurudzirwa kuti vana vadiki vapiwe mushonga uyu katatu kubvira pavanenge vaine mavhiki 6 ekuzvarwa. Vana vati kurei kana kuti vanhu vakuru vanogona kuzopiwa zvakare mushonga wacho. Mushonga uyu unodzivirira unongowanika chete uri mubatanidzwa nemimwe mishonga inodzivirira.[1]

Mishonga inodzivirira isiri yemasero ndiyo inonyanyoshandiswa munyika dzakabudirira pamusana pekuti ine zvishoma zvainokanganisa muvanhu. Vanhu vari pakati pe10 ne50% yevanopiwa mishonga inodzivirira yemasero akazara vanotsvuka paya panenge pabaiwa nejekiseni uye vanoita fivha. Pfari dzefivha uye kuchema kwenguva refu zvinoitika muvana vari pasi pechikamu chimwe chete muzana. Kana iri mishonga inodzivirira isiri yemasero panogona kuva nenguva pfupi yekuzvimba kweruoko uko kunenge kusiri dambudziko. Kukanganiswa nemishonga inodzivirira yese iri miviri kunoita kushoma nekuva mudiki kunenge kwakaita mwana apiwa mishonga yacho, kunyanya kana uri mushonga wemasero akazara. Mushonga wemasero akazara haufaniri kushandiswa pashure pekunge mwana asvitsa makore 6 ekuzvarwa. Hapana matambudziko akadzama uye enguva refu ane chekuita nepfungwa anonzi anokonzerwa nemishonga yacho iri miviri.[1]

Mushonga unodzivirira chikosoro chepertussis wakagadzirwa muna 1926.[5] Uripo paMazita Emishonga Inonzi neWorld Health Organization Ndiyo Inokosha, kureva mushonga unonyanyokosha panyaya dzekutarisirwa kweutano.[6] Kana iri mhando inenge iinewo mushonga unodzivirira tetanus, diphtheria, polio, neHib inoita 15.41 USD pamushonga mumwe chete kubvira muna 2014.[7]

  1. 1.0 1.1 1.2 1.3 1.4 1.5 1.6 "Pertussis vaccines: WHO position paper - September 2015" (PDF). Wkly Epidemiol Rec. 90 (35): 433-58. 2015 Aug. PMID 26320265.
  2. Zhang, L; Prietsch, SO; Axelsson, I; Halperin, SA (Sep 17, 2014). "Acellular vaccines for preventing whooping cough in children". The Cochrane Database of Systematic Reviews. 9: CD001478. doi:10.1002/14651858.CD001478.pub6. PMID 25228233.
  3. "Annex 6 whole cell pertussis" (PDF). World Health Organization. Retrieved 5 June 2011.
  4. "Pertussis: Summary of Vaccine Recommendations". Centre for Disease Control and Prevention. Retrieved 12 Dec 2015.
  5. Macera, Caroline (2012). Introduction to Epidemiology: Distribution and Determinants of Disease. Nelson Education. p. 251. ISBN 9781285687148.
  6. "WHO Model List of EssentialMedicines" (PDF). World Health Organization. October 2013. Retrieved 22 April 2014.
  7. "Vaccine, Pentavalent". International Drug Price Indicator Guide. Retrieved 8 December 2015.