Mushonga unodzivirira Hepatitis B

Kubva Wikipedia

Mushonga unodzivirira Hepatitis B mushonga unodzivirira hepatitis B.[1] Mushonga wekutanga unokurudzirwa kuti upiwe mumaawa 24 ekutanga kubva panozvarwa mwana, pachizoteverwa nekupiwa kwemushonga kechipiri kana kechitatu. Izvi zvinosanganisira kuupa vaya vane miviri isina simba rekuzvidzivirira pazvirwere vakadai sevane HIV/AIDS uye vaya vakazvarwa nguva isati yakwana. Muvanhu vane utano hwakanaka, kugara vachidzivirirwa kunoguma nekudzivirirwa kwevanhu vanodarika 95%.[1]

Zvinokurudzirwa kuti ropa riongororwe kuti zvioneke kana mushonga unodzivirira wakashanda kune vaya vane mikana yakakura yekubatira utachiona hwacho. Kudzokorora kupiwa mishonga kungadiwa muvanhu vane miviri isina simba rekuzvidzivirira pazvirwere asi izvi hazvidiwi hazvo pavanhu vakawanda. Vaya vanenge vakava pangozi yekubatira utachiona hwehepatitis B asi vasina kudzivirirwa, vapiwe mushonga unodzivirira kupararira kwechirwere chacho unonzi hepatitis B immune globulin kuwedzera kumushonga unochidzivirira. Mushonga wacho unoita zvekuiswa mutsandanyama nejekiseni.[1]

Kashoma chaizvo kuti pave nematambudziko akakura anokonzereswa nemushonga unodzivirira hepatitis B. Panenge pabaiwa nejekiseni panogona kurwadza. Hauna ngozi kuvaya vane pamuviri kana kuti pakuyamwa. Hauna kumbova nechekuita nechirwere chinonetesa tsandanyama chinonzi Guillain-Barre syndrome. Mishonga inodzivirira iripo iye zvino inogadzirwa kubva pamibatanidzwa yezvinowanika mumaDNA. Inowanika yakazvimiririra pachayo uye iri mibatanidzwa nemimwe mishonga inodzivirira.[1]

Mushonga wekudzivirira wekutanga wakapiwa mvumo muUnited States muna 1981.[2] Mushonga usina zvakawanda zvaunokanganisa wakazotanga kutengeswa muna 1986.[1] Uripo paMazita Emishonga Inonzi neWorld Health Organization Ndiyo Inokosha, kureva mishonga inonyanyokosha panyaya dzekutarisirwa kweutano.[3] Kubvira 2014, kana uchitengeswa wakawanda, unoita mari iri pakati pe0.58 ne13.20 USD pamushonga.[4] MuUnited States unoita 50 kusvika ku100 USD.[5]


  1. 1.0 1.1 1.2 1.3 1.4 "Hepatitis B vaccines WHO position paper" (PDF). Weekly epidemiological record. 40 (84): 405-420. 2 Oct 2009.
  2. Moticka, Edward. A Historical Perspective on Evidence-Based Immunology. p. 336. ISBN 9780123983756.
  3. "WHO Model List of EssentialMedicines" (PDF). World Health Organization. October 2013. Retrieved 22 April 2014.
  4. "Vaccine, Hepatitis B". International Drug Price Indicator Guide. Retrieved 6 December 2015.
  5. Hamilton, Richart (2015). Tarascon Pocket Pharmacopoeia 2015 Deluxe Lab-Coat Edition. Jones & Bartlett Learning. p. 314. ISBN 9781284057560.