Mushonga unodzivirira Hepatitis A

Kubva Wikipedia

Mushonga unodzivirira Hepatitis A mushonga unodzivirira hepatitis A.[1] Unoshanda painenge 95% yevane chirwere chacho uye unoramba uchishanda kwemakore anodarika 15, uye uchidaro kweunenge upenyu hwese hwemunhu.[2][1] Kana uchipiwa, zvinokurudzirwa kuti munhu aupiwe kaviri kutangira pashure pekunge asvitsa gore. Unoita zvekuiswa mutsandanyama nejekiseni.

Sangano reWorld Health Organization (WHO) rinokurudzira kuti munhu wese apiwe mushonga unodzivirira munharaunda dzisina kunyanya chirwere ichi. Kana dziri nharaunda machakanyanya kupararira hazvikurudzirwi kupa munhu wese mushonga unodzivirira sezvo vese vasingazobatiri zvakare chirwere chacho zvichibva pakuti vanenge vakatozvidzivirira kare pavakabatwa nacho vari vana.[1] Sangano reCenter for Disease Control and Prevention (CDC) rinokurudzira kuti vakuru vane mikana yakakura yekubatira chirwere ichi uye vana vese vapiwe mushonga unodzivirira.[3]

Kashoma chaizvo kuti pave nezvakaipa zvinokonzereswa nemushonga uyu. Zvinoitika kuti vana vanenge 15% uye hafu yevanhu vakuru irwadziwe pacho panenge pabaiwa nejekiseni. Mishonga yakawanda inodzivirira hepatitis A ine utachiona hunenge hwakaitwa kuti husashande, uye mishoma yacho ine utachiona hunenge hwakapedzwa simba. Mishonga ine utachiona hwakapedzwa simba haikurudzirwi kuvaya vane pamuviri kana vaya vane miviri isina simba rekuzvidzivirira pazvirwere. Mimwe mishonga mishoma inogadzirwa pachiita zvekusanganiswa mushonga unodzivirira hepatitis A nemushonga unodzivirira hepatitis B kana typhoid.[1]

Mushonga wekutanga unodzivirira hepatitis A wakabvumirwa muEurope muna 1991 uye muUnited States muna 1995.[4] Uripo paMazita Emishonga Inonzi neWorld Health Organization Ndiyo Inokosha, kureva mushonga unonyanyokosha panyaya dzekutariswa kweutano.[5] MuUnited States unoita 50 kusvika ku100 USD.[6]

  1. 1.0 1.1 1.2 1.3 "WHO position paper on hepatitis A vaccines - June 2012" Wkly Epidemiol Rec. 87 (28/29): 261-76. 2012 Jul 13. PMID 22905367
  2. Ott JJ, Irving G, Wiersma ST (December 2012). "Long-term protective effects of hepatitis A vaccines. A systematic review". Vaccine. 31 (1): 3–11. doi:10.1016/j.vaccine.2012.04.104. PMID 22609026.
  3. "Hepatitis A In-Short". CDC. July 25, 2014. Retrieved 7 December 2015.
  4. Patravale, Vandana; Dandekar, Prajakta; Jain, Ratnesh (2012). Nanoparticulate drug delivery perspectives on the transition from laboratory to market (1. publ. ed.). Oxford: Woodhead Pub. p. 212. ISBN 9781908818195.
  5. "19th WHO Model List of Essential Medicines (April 2015)" (PDF). WHO. April 2015. Retrieved May 10, 2015.
  6. Hamilton, Richart (2015). Tarascon Pocket Pharmacopoeia 2015 Deluxe Lab-Coat Edition. Jones & Bartlett Learning. p. 314. ISBN 9781284057560.