Moyo Nyajena

Kubva Wikipedia

Maita Moyo, Maita Nyajena, Vajena vekwa Nyajena, Varidzi venyika Gono remombe chiri mudanga,

Maita Moyo Nyajena, Maita Gavhure, Vajena varumbi, Vakachena kuti toto Vakadya sadza nekukara,


Maita Gavhure Mariro, Nyangasere, Chirera nherera vanorera nedzavamwe, Vari Chimbete vari Marevesa, ๐Ÿ‘๐Ÿ‘๐Ÿ‘

Maita Mushayachirashwa, Nyama tinodya, Ganda tinokakisa ngoma, Nyanga tichiita makonan'ombe, Mwise tichisvaisa nhunzi, ๐Ÿ‘๐Ÿ‘๐Ÿ‘

Maita Ganyamatope, Gon'ohori matake, Vakatakira mbeu paruware, Maita mushenjere wejena usina pakaminama, Pakaminama panotasanurwa, ๐Ÿ‘๐Ÿ‘๐Ÿ‘

Maita Moyo, Maita mhuru yaGavhu, Maita murambwi, Maita Nyajena, ๐Ÿ‘๐Ÿ‘๐Ÿ‘