Makora

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Makora izita rinowanikwa munyika yeZimbabwe.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mime mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • VaTiriki vanoti khukhola (make, do). VaWanga vanoti okhukhola (v.tr make, do).
  • VaHaya, VaBwisi neVaGwere vanoti kukola (do, act, work, make; manufacture; cultivate, plough) kureva kuita, kushanda kana kugadzira.
  • VaGungu vanoti kukora (to work, do, perform an activity or task) kureva kushanda. VaGungu vanoti kukoresebwa (be employed; work for somebody) kureva kushandira.
  • VaNyoro vanoti Mwakola balungi (You are working like good men) - muri kushanda sevarume vakanaka. VaBwisi vanoti kukoluwa muntu (man made; artificially made) kureva chakagadzirwa nemunhu.
  • VaYao vanoti kukola (to have, to get, to posses). VaYao vanoti kukolela (to have for).
  • VaTiriki khukhora (to be lost, to disappear, to vanish) vachireva kurasika kana kushayika.