Kuurayiwa kwa Uyinene Mrwetyana

Kubva Wikipedia


Uyinene "Nene" Mrwetyana (20 April 2000-24 August 2019) aive musikanana wemu South Africa aidzidza pachikoro cheUniversity cheku Capetown. Aive nemakore 19 paakaurayiwa mushure mekunge abatwa chibharo nemurume aive nemakore 42 ekuberekwa.Zvese izvi zvakaitika munzvimbo inonzi Claremont irimuSouth Africa. Kuurayiwa kwa Uyinene kwakabuditsa pachena mamwe matambudziko ekushungurudzwa nekuurayiwa kwevakadzi munyika ye South Africa.

Nhoroondo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mrwetyana akazvarirwa ku East London, munzvimbo ye Eastern Cape nevabereki vake Noma na Phillip Mrwetyana. Mrwetyana akakurira muguta re Beacon Bay ku East London akaenda kuchikoro che Hudson Park Primary School kwaaiva ari mudzidzi aikoshesa chikoro zvakanyanya. Akazoenderera mberi kunodzidza pachikoro che Kingswood College ndokuzoenderera mberi nechikoro zvakare ku University yecapetown kwaaita zvidzidzo zve Film and Media.

Zvakaitika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Waiva musiwa 24 August gore ra 2019, Mrwetyana aive atumirwa pasuru yechikoro yaaifanirwa kunotora kuPost Office. Achisvika ikoko akaudzwa kunzi pasuru yake haisati yasvika na Botha akazova ndiye murume akamubata chibharo nekumuuraya. Botha aiva atogara afunga zvekumuraya nekuti akati kuna Mrwetyanaadzoke kuzotora pasuru yake ku Post Office nguva dzainenge yavharwa. Achisvika Mrwetyana akasvika mushure mekunge Post Office yavharwa saka Botha akavhura goni achibva arivhara nekurikiya ndokutotanga kumubata chibharo. Mrwetyana akambomurwisa kwechinguva asi Botha akazomukurira simba mushure mekumurova nechidhina achibva amuuraya ndokumusiya muviri wake. Botha akazodzoka zuva ramangwana racho akatora muviri wake akanourasa mubani ndokumupisa.