Kupfeka masiki munguva ye hutachiona we corona 2019-20

Kubva Wikipedia

Zvinokurudzirwa neHurumende[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kupfekwa kwe mamask munguva yedenda rehutachiona hwecorona muna 2019-20 kwakagamuchira kurudziro dzakasiyana siyana kubva kumasangano evehutano hweruzhinji pamwe nehurumende dzakasiyana. Nhau iyi yakave hurukuro ine kupokana, pakati pevamiriri vehutano weruzhinji nedzi hurumende vasingabvumirane pane mitemo yemapfekerwo emask.

Zvibvumirwa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvimwe zvikonzero zvakataurwa nevatungamiriri vehutano ku China maererano nezvekupfeka mamasiki kunyange nevanhu vatano ndezvinotevera:[1]

  1. Kutapurirana kwevariAsymptomatic (hutachiona kubva kune avo vasati varatidza zviratidzo zve hurwere). Vanhu vazhinji vanogona kutapukirwa pasina zviratidzo kana pane zviratidzo zvakaderera.
  2. Kusatendera kwekufambidzana kwekure nekure munharaunda dzenzvimbo dzeruzhinji nguva dzese.
  3. Mutengo nebetsero zvisingaenderane (zvisingakuridziri). Kana vanhu vakatapukirwa varivo chete vanopfeka mask, vaizogona kuve nekurudziro isina kunaka kuita kudaro. Munhu ane hutachiona anogona kusakwanisa kuwana chero chinhu chakanaka pazviri, asi kutakura mutoro wematambudziko, mari dzekutenga, uye kunyangwe kushorwa.

Mazvikokota wezve hutachiona kuUniversity yeLeeds anonzi Stephen Griffin anoti "Kupfeka mask kunogona kudzikisa mukana wekuti vanhu vabate zviso zvavo, zvinova zviri izvo zvinonyanya kukonzera hutachiona pasina hutsanana hwekugeza maoko."[2]

Mhando dzemamask[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mask yejira yakagadzirwa nejira ratinoziva mazuva ose inopfekwa kuvhara muromo nemhino, inowanzogadzirwa nejira redonje. Mask yejira yakasiyana nemask yana chiremba neyana mukoti neimwe inobatsira kufema, nekuti haasi pasi pemutemo. Parizvino pane zivo nehutungamiri shoma pane kugona kwayo kudzivirira kutapukira kwechirwere kana kutapukira kwetwunhu tusingaonekwi nemaziso twuri mumhepo.

Mask yavana chiremba nana mukoti inopfekwa zvakaregerera, inoshanda sechidziviso pakati pemuromo nemhino yemupfeki nezvinogona kumutapukira kubva muzviri munzvimbo yaari. Mask yavana chiremba nana mukoti iripo kubatsira kudzivirira madonhwe makuru, zvisaswa, zvipfapfaidzwa, kana zvityapaidzwa zvinogona kunge zviine hutachiona nebacteria kana yakapfekwa zvakanaka, inodzivirira zvinhu izvi kuti zvisasvike pamuromo nemhino dze akaipfeka.[3] Mask yavana chiremba nana mukoti inogonawo kudzikisa kutapukira kwemate emunhu akaipfeka nezvimwe zvinobva mukufema kwake kusvika kune vamwe. Mask yavana chiremba nana mukoti haina kugadzirirwa kusefa kana kudzivirira hutachiona nebacteria dziri mumhepo dzinogona kuparadzirwa nekukosora, kuhetsura, kana mamwe maitiro emukurapa. Mask dzavana chiremba nana mukoti hadzipe zvakare dziviriro yakakwana kubva kumagerms nezvimwe zvinotapukira nekuda kwemapfekerwo akaregerera pakati pechiso nemask yacho. Mask dzavana chiremba nana mukoti dzakagadzirwa nemucheka usina kurukwa sezvinoitwa jira asi wakagadzirwa nekupiswa nekubatanidzwa nemishonga neshinda.[4] [5]

Mask inonzi N95 imask inosefa-twunhu tudiki diki nekubvumira akaipfeka kufema , inoteedza mutemo weN95 inosefa mhepo inobvumirwa neUS National Institute for Occupational Safety and Health. Iyo inosefa zvinosvika 95 kubva mu100 zvezvinhu zviri mumhepo. Iyo muenzaniso yemuchina wekufemesa, unodzivirira kubva kutwunhu tuduku duku, asi kwete magas kana mupfunga.[6] Kufanana nemasiki dzavana chiremba nana mukoti, N95 yakagadzirwa neshinda dzisina kurukwa dzejira rinonzi polypropylene.[7] [8] Mask inoenderana naiyoyo inoshandiswa kunyika dzemuEuropean Union inonzi FFP2 respirator. [9] [10]

Kurudziro Yemasangano Yezvehutano[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Masangano ezvehutano akurudzira kuti vanhu vavhare muromo nemhino vachishandisa gokora kana tishu pavanenge vachikosora kana kuhetsura, uye kurasa tishu racho pakarepo.[11] [12] Mask dzavana chiremba dzinokurudzirwa kune avovanogona kunge vaine hutachiona, [13] [14] [15] nekuti kupfeka mask kunokwanisa kuderedza huwandu nechinhambwe chinofambwa nema donhwe anobva mukufemera kunze anopararira pakutaura, kuhetsura, kana kukosora.[16]

Kurudziro YeWorld Health Organisation[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Yambiro Kubva kuWorld Health Organisation kurizhinji maringe neCovid-19 inotsigira kushandiswa kwemask pasi pemamirairo inotevera chete. [17]

  • Kana urimutano, unongofanirwa kupfeka masiki kana urikuchengeta munhu arikufungirwa kuti anehutachiona hweCovid-19.
  • Pfeka mask kana urikukosora kana kuhetsura.
  • Mask dzinoshanda chete kana dzichishandiswa pamwechete nekugeza maoko kakawanda nemushonga wehand sanitizer unedoro mukati kana sipo nemvura.
  • Kana iwe uchipfeka masiki, ipapo unofanira kuziva mashandisirwo ayo nekuirasa zvakanaka.

Kushandiswa kwe masiki nemitemo ye nyika uye nharaunda dze mu Africa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]


  • Benin: Kubva musi waApril 8, vakuru vakuru vemuBenin vakatanga kukurudzira kupfeka kwemask kudzivirira hutachiona hwecorona. [18]
  • Cameroon: Mayor weCameroon City akazivisa kuti kupfeka mask kuchamanikidzwa kuitira kudzikisa kupararira kwehutachiona hwecorona. [19]
  • Democratic Republic of Congo: Kupfeka kwemask ikozvino kuri kumanikidzwa kwese kwese mukati meguta guru. [20]
  • Ethiopia: Kanzuru yeVashumiri yakatendera mutemo unorambidza kumhoresana nemaoko nechisungo chekushandiswa kwemask munzvimbo dzeruzhinji. [21]
  • Guinea: Mutungamiri wenyika yeGuinea, Alpha Conde afunga zvekuita kuti kupfekwa kwemamask kumanikidzwe. [22]
  • Kenya: Kupfekwa kwemamaski kunosungirwa. Hurumende yakaita kuti vanhu vemuKenya vanyatso cherechedza kutaudzana kwekure nekure kwaratidza kuve imwe nzira dzakanyanya kubatsira kudzivirira kutapukira kwe hutachiona. [23]
  • Liberia: Kubvamusi wa21 April, Iyezvino zvavekumanikidzwa kupfeka mask kana chifukidziro paruzhinji. [24]
  • Morocco: Kupfeka mask kunomanikidzwa. [25]

References[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. "Why healthy Chinese wearing face masks outdoors?". NHC.gov.cn. Chinese Center for Disease Control and Prevention. 23 March 2020. Archived from the original on 10 April 2020.
  2. "How to avoid touching your face so much". BBC News. 18 March 2020.
  3. "N95 Respirators and Surgical Masks (Face Masks)". U.S. Food and Drug Administration. 11 March 2020. Retrieved 28 March 2020. This article incorporates text from this source, which is in the public domain.
  4. "Not Enough Face Masks Are Made In America To Deal With Coronavirus". NPR.org. 5 March 2020. Retrieved 10 April 2020.
  5. "Chinese mask makers use loopholes to speed up regulatory approval". Financial Times. 1 April 2020. Retrieved 10 April 2020.
  6. "Respirator Trusted-Source: Selection FAQs". U.S. National Institute for Occupational Safety and Health. 12 March 2020. Retrieved 28 March 2020.
  7. Zie, John (19 March 2020). "World Depends on China for Face Masks But Can Country Deliver?". Voice of America.
  8. Feng, Emily (16 March 2020). "COVID-19 Has Caused A Shortage Of Face Masks. But They're Surprisingly Hard To Make". NPR.
  9. "Comparison of FFP2, KN95, and N95 and Other Filtering Facepiece Respirator Classes" (PDF). 3M Technical Data Bulletin. 1 January 2020. Retrieved 28 March 2020.
  10. "Strategies for Optimizing the Supply of N95 Respirators: Crisis/Alternate Strategies". U.S. Centers for Disease Control and Prevention. 17 March 2020. Retrieved 28 March 2020.
  11. "Advice for public". World Health Organization. Retrieved 8 February 2020
  12. Home. "Novel Coronavirus". HPSC.ie. Health Protection Surveillance Centre of Ireland. Retrieved 27 February 2020.
  13. "Severe Respiratory Disease associated with a Novel Infectious Agent". Government of Hong Kong. Retrieved 1 February 2020.
  14. "Updates on Wuhan Coronavirus (2019-nCoV) Local Situation". MoH.gov.sg. Ministry of Health of Singapore. Retrieved 1 February 2020.
  15. "Advice on the use of masks in the community, during home care and in health care settings in the context of the novel coronavirus (2019-nCoV) outbreak". World Health Organization. Retrieved 21 February 2020.
  16. "2019-nCoV: What the Public Should Do". US Centers for Disease Control and Prevention. 4 February 2020. Retrieved 5 February 2020.
  17. "Coronavirus disease (COVID-19) advice for the public: When and how to use masks". World Health Organization. World Health Organization. 2020. Retrieved 6 April 2020.
  18. Benin Police Enforce Mask Wearing In Bid To Stop Virus,Barron's, 8 April 2020.
  19. Cameroon City Makes Wearing Mask Mandatory in Fight Against Coronavirus,VOA News, 7 April 2020
  20. Tasamba, James (19 April 2020). "Rwanda, DR Congo make mask wearing mandatory".
  21. Samuel, Gelila (12 April 2020). "Ethiopia Outlaws Handshakes, Obliges Masks in Public Places".
  22. Masilela, Brenda (14 April 2020). "Guinean president makes masks compulsory in bid to curb the spread of coronavirus".,IOL
  23. Muraya, Joseph (5 April 2020). "Kenya: Masks Now Mandatory in Public Places, Kenya Declares".,All Africa
  24. Senkpeni, Alpha Daffae (21 April 2020). "Will You Wear Mask? Liberia's Lawmakers Want Compulsory Wearing of 'Protective Device' In Public".
  25. Eljechtimi, Ahmed (6 April 2020). "Morocco makes face masks compulsory due to coronavirus". Reuters. Retrieved 11 April 2020.