Kunyangira
Kunyanga kana kunyangira (move stealthily towards something) zvinoreva kufamba zvinuyoronyoro uchienda kune munhu waunoda kubata saati akuona. Mhuka dzinovhima dzimwe dzinonyangira dzichisvika pedyo dzisati dzatanda mhuka yadzinoda kubata.
Chirevo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- Wanyangira yaona.
- Akaimba muimbi achiti: Sori zvako chokwadi, wanyangira yaona.
Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
- VaDigo vanoti nyerereka (to walk unsteadily or with difficulty).
- VaNyanja vanoti kunyangama (to steal along softly) kureva kunyangira.
- Baila vanoti kunanaila (to walk stealthily; on tiptoe) kureva kunyahwaira.
- VaMambwe vanoti -towa (to walk carefully, slowly being constantly on the look-out). Mamwe mazwi: -towa (to walk on tiptoes).