Hyperinflation in Zimbabwe

Kubva Wikipedia

Kukwidzwa kwemitengo muZimbabwe nekusagadzikana kwemari kwakaitika munguva yaKurume 2007. Panguva iyoyi, pakati pemakore 2008 kusvika 2009, Zimbabwe yaifungidzirwa kuvene kukwidzwa kwemitengo kwakadarika nyika dzese pasi rese.

Munguva ya April 2009, Zimbabwe yakaregedza kugadzira mari yayo zvachose ndokutanga kushandisa mari yedzimwe nyika. Mugore ra 2015, Zimbabwe yakaisa chiziviso chokuti yave kushandisa mari yekunze kwenyika yekuAmerica.

Mugore ra 2019 muna June hurumende yeZimbabwe yakashamba zvekare kuti yave kudzosa mari yenyika kana kuti "Zimbabwean dollar" yaizoshevedzwa kunzi RTGS dollar. Panguva iyi Mari yedzimwe nyika yaisafanirwa kushandiswa. Munguva ya July lwakange kwave kufungidzirwa kuti kukwidzwa kwemitengo kana kuti inflation kwakange kwasvika pa175%. Mugore ra 2020 muna Kurume, kukwidzwa kwemitengo Zimbabwe kwakange kodarika 500% pagore negore. Pakazosvika July, kukwidzwa kwemitengo kwaifungidzirwa kuve pa737%.

Zvekumashure

Musiwa 18 April mugore ra 1980, nyika yeZimbabwe yakazvarwa nekushandurwa kubva pakunzi Rhodesia. Panguva iyoyo Zimbabwean dollar ndoyakange yoshandiswa uyezve yaive mari yaiva nesimba pakutenga kudarika mari ye America. Asi izvi hazvina kuenderera mberi kwenguva yakareba nepamusana kukwidzwa mutengo kwaiitika muZimbabwe. Mumazuva ayo ekutanga, Zimbabwe yakave nekubudirira kwakanaka.

Kubva mina 1991 kusvika 1996, hurumende yeZimbabwe ichitungamirirwa ne Zanu PF pasi pavaMugabe, yakavamba chirongwa chekusandura hupfumi hwenyika. Chirongwa ichi hachina kubudirira sezvaifungidzirwa. Chirongwa ichi chaive chekudzinga varungu mumaminda pachiiswa vanhu vatema.

Kubva mugore ra 1999 kusvikira 2009, nyika yakasanganidzana nekudzikira kwechikafu nezvirimwa kukatanga kuitika nzara. Kwakatanga kushaikwa mari mumabhengi, kushaikwa mabasa uyezve hutano kwevanhu hwakatanga kudzikira. Bhengi rikuru remuZimbabwe rakashoropodza zviitiko izvi zvichinzi zvaikonzereswa nema Sanction aive akaiswa nenyika yeUnited States.