Hwedza, Zimbabwe

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuHwedza (nzvimbo))

Hwedza idunhu riri mudunhu-guru reMashonaland East muZimbabwe. Rondedzero ne dunhu iri inogona zvakare kuwanikwa mudandemutande pagwaro rinoti Wedza . Hwedza inyika yeVaRozvi inotongwa nemaZezuru echikamu che VaMbire uye iri kuChamhembe kwenyika yeZimbabwe yadondana nemabvazuva eMashonaland.

Mambo mukuru wamadziShe ndi Svosve [Mukanya we vhudzijena].Iyi inzvimbo ine makomo anowanikwa utare - iron.

Zita iri rinonzi rakabva pakuti nzvimbo iyi ine makomo ekuti kusvika mhiri kwayo zvinotoda mazuva maviri, saka vanhu vaiti seri kwegomo munotozvika kuswerahwedza - apa hwedza kureva mangwana.